Svetuka kuchirochemo

Peji Rekutanga

Kubva Wikipedia
Kwaziwai, Kwaziwai
Tikutambire kuWikipidhiya!
Duramazwi re mahara, chero munhu anogona kuuya achiwedzera ruzivo rwaanawo kana kushandura mazanhi emimwe mitauro kuisa muChishona.

Parizvino tine zvinyorwa 11,430 zvakanyorwa ne Chishona.

Munoda kuona Wikipedhiya yedu senwadhi here? Dzvanyai Pano!
Taramhenyu
Chinamato
Masvomhu
Nhoroondo
Taranyika
Nzanga
Mhanzi
Mutauro
Useza
Sainzi
Ruambarueza
Uvaki
Musha uno ndewedu vatauri veChivanhu, mutauro weChiShona, muno muWikipedhiya.

Wikipedhiya chinyorwa chepadanhautande chinounganidzwa ungwaru, ruzivo nohunyanzvi hwezvikamu zvese zveraramo remarudzi osezvayo erino pasi. Zvakanaka zvakadzama kwazvo kuti gapu rese iri reungwaru, ruzivo nohunyanzvi rive rinonyogwa mururimi rwaamai. Basa iri ngatiritange nhasi tigorisiirawo vana vedu navana vavowo, zvichingoenda, ziyenda nakuenda.

Mutauro wedu isu vanhu hauna kugara uchinzi ChiShona kwete. Muchena ainzi Clement Doke ndiye akatanga kushandisa izwi rekuti ChiShona mugore ra1931. Mutauro wedu unonzi ChiVanhu.

Munokokwa mese, ani naani zvake, kuti muwedzere zvinyogwa izvi. Vanyori, vadzidzisi nevadzidzi veChiShona muzvikoro zvikuru zvedzidzo munokokwa kuti mutitungamirire pabasa iri. Tinodaidza kunyanya zvikuru sei avo vadzidzi nevadzidzisi vari muboka rezvidzidzo zveChiShona paYunivhesiti yeZimbabwe uyewo avo vese vakapedza zvidzidzo zveChiShona pachikoro chikuru ichi.

Kana muchida kuziva zvakawanda nezvehumwe yeWikipediya endai panzvimbo yemudandira iyi www.wikipedia.org

Tsvakai muwedzere ruzivo rwenyu nezve Kuisa zvinyorwa zvemumwe mutauro rudzi muWikipedhiya

Nehanda Nyakasikana

"Aah! Nehanda Nyakasikana!

Kunozove riniko,
Isu VaNyai tichitambudzika;
Mweya Unoera!
Kunozove riniko,
Isu VaNyai tichidzvinyirirwa?
Ko, inga taneta wani nokunwa misodzi;
Ko, toshirira kudzamara kuve riniko?
Ko, inga panguva yechando miti inozvizorodza,
Inokuhumuka mashizha yombowana rudekaro,
Kwozoti nokuchena kwokunze yodombera;
Mashizha yovawo nenhenhere inoyevedza;
Shiri nemhuka nenyuchi dzokwezvwa nehwema,
Ko, isu rugare ruchatisvika riniko?
Vana vacheche vatinobereka,
vawakatipa Iwe Samasimba,
vanova ndivo vadyi venhaka dzedu,
nhasi vokura vakasunzumara munyika yavo,
Voshaya nzvimbo dzokurarama nokuzvidekadza?
Apa nepapo pazere rufuse,
Makumbo avo ane matuzu nokupfuviswa neriri pfumojena.
Ko, vosvikepiko?
Mudzimba dzose nomumisha yose vari kutandwa pamwe nokurohwa;
Munzvimbo dzose nomumatare mose avanotongerwa, vari kungourayiwa senhunzi,
Pasina chikonzero, pasina mhosva
Pfuma yenyika nhasi yakatorwa vakagovana paukama hwavo vepfumojena.
Nhasi vari kudya mafuta ayo nyika
Isu tichidya nhoko dzezvironda
Nhasi vari kudya, vakora sehochi
Isu toondoroka sembwa ine gwembe
Nhasi vagere murusununguko
lsu todzipwa huro nemajoto
Rusununguko, Nehanda, ndorupi?
Hamungaburukirewo kwatiri here?
Harahwa dzedu dzobatwa sepwere
Munyika yawavapa, musiki mugoni!
Havasisina rukudzo panyika.
Havasisina chavanacho
Dambudziko guru ndiro ravawira
Baba mutsvene!
Gomo rine ngoni!
Hamungotinzwawo kuchema kwedu here?
Tine chitadzo chakakura sei
Chokubva matiramwa zvakadai?
Nehanda Nyakasikana!
Kunozova riniko?
Isu VaNyai tichidzvinyirirwa

Neriri pfumojena rasvika munyika.
~ Nhetembo iyi yakatogwa kubva mubhuku rinonzi, Feso, rakanyogwa naVaSolomon Mutswairo (mugore ra1956).
Mfananidzo weVhiki
Chiteshi che Ndege che Dhidhizha, Harare, Zimbabwe
jj
Zvidzidzo
Maziwumbe: Ezhiya · Afurika · Amerika Maodzanyemba · Amerika Chamhembe · Andakitika · Yuropu · Ostireriya

Nyika: Angora · Vutswana · Zimbabwe · Namibhiya · Ijipita · Tanzania · Naijeriya · Rhashiya · Furanzi · Speini · Kanadha · Mehiko · Jerumani · Chayina · Raosi · Makawo · Jorodhani · Omani · Yemeni · Neparu

Mitauro: Chishona · Chindau · Chizulu · Chispeini · Chiarabhu · Chiswahiri · Chihausa · Chirhashiya · Chifurenji · Chiputukezi · Chibhunu · Chichayina · Chijapani · Chingezi · Chihindi · Chiaramu · Chin'ko · Chindevere · Chibuja (Chibudya)
Vashona: Vakaranga (munhoroondo ye Chivhenda/Vasenzi, Valaudzi, Vandalamo, Vamasingo), Vazezuru, Vakorekore, Vabuja, Vamanyika, Vandau, Vadoma, Vatavara, Vahungwe, Vambire, Vanyai, Varozvi, Vakalanga, Vanambya, Vatalaote

Madzinza: Vazulu, Vaswahiri, Vavhenda, Vandeḅele, Vandebele, Vanyarwanda, Varundi, Vatonga, Vakongo, Vachewa, Vaxhosa, Vayorubha, Vaigbho, Vahausa, Vaakani, Vafulani, Vamaghrebhi,

Zvinamato: Uvanhu (Vashona) · Ukristu (Vakristu) · Uyiziramu (Vasalama) · Uhindu· Ujudha (Vajudha) · Ubhudha · Usikhi · Udhao (Utao) · Ukonfushasi (Uru) · Ubhaha'i (Ubhahá'í) · Ushinto · Ujaini · Uzoroasti · Zvinamato zve Afurika
Tsika: Roora · Chisi · Karenda ye Chivanhu (Mwedzi ne Mavhiki) ·

Mhanzi: Jiti, Dancehall, Afrobeats, Sungura, Tuku (Afrojazz)

Chikafu: Sadza · Mbambaira · Manhuchi · Maputi · Mabhanzi · Madora · Bota · Derere · Mupunga · Muriwo · Hohwa · Masau · Nyimo · Nyemba

Upanganyeredzi: Gwararezhou · Ghalaksi · Rhadenga (kozimosi) · Chadenga · Zvindeya · Nyeredzi · Unganyeredzi · Zuva · Mwedzi · Chisimira · Ndemara · Runyanga · Nguruvenembwa · Mazhara · Maguta ·

Mivara: Ungu · Zerere · Tsvuku · Kiwani · Hute · Huroro · Tema · Ranjisi · Mbise · Chena · Nundu · Shava · Pfumbu · Farata · Punje · Fuvana · Suso · Shora · Chichiri

Simbi: Utare · Mhangura · Ndarira · Zeng'e · Ndarama · Darejena · Mutobvu · Aluminiyamu · Platinamu · Niyakari

Concepts: Zvose · Upasina · Uzima · Rudo · Ruvengo · Unake · Uvi · Rima · Chiedza · Kuyera (Utsvene) · Ruhana ·Mweya (wemunhu) · Rusvinuko · Upenyu · Rufu · Pfungwa · Hana · Nhu · Moyo · Mbune · Umbimba (igo) · Chivi

Kuti muwane zvimwe zvinyorwa tarirai linki ye zanhi dzasiyo:

Makarenda e Mwedzi uno
Karenda ya Gregori Karenda ye Chivanhu
<< Gumiguru >>
Svo Mvh Chp Cht Chn Chs Mg
1
2 3 4 5 6 7 8
9 10 11 12 13 14 15
16 17 18 19 20 21 22
23 24 25 26 27 28 29
30 31
....2021 - 2022 - 2023....
<< Gumiguru >>
Mvh Chp Cht Chn Chs Mg Csi
1 2 3 4 5 6 7
8 9 10 11 12 13 14
15 16 17 18 19 20 21
22 23 24 25 26 27 28
29 30
Kubva 25 Gunyana - 24 Gumiguru
....2021 - 2022 - 2023....
Chidzidzo cheVhiki Rino:
Zvose (kana zvese) ndizvo zvose zviriyo; zvinopesanisana ne Upasina, kana kuti muzeredzwa (complement) wayo. Kuti zvose ndiko kuzara kwezvinhu zvinoenderana nemusoro wenyaya. Pasina kutaurwa kana kurehwa miganhu, inogona kureva chero chinhu. Rudenganenyika kana kuti Yunivhesi ndicho chinhu chiri chose chiripo murugorokodzwa, kunyangwe zvazvo Ungavhesi (multiverse) richivapo zvichienderana ne gorokodzwa rwe mavuko eUnenarhadenga (cosmology). Inogona kureva maoneroepasirese ehuisavanhupakati (anthropocentric), kana hwerengedzo ye ruzivo rwevanhu, nhoroondo, uye mamiriro evanhu zvachose. Chese chinhu uye entity chikamu chezvose, kusanganisira yese mwiri ye nyama uye mune dzimwe nguva zvinhu zvese zvisingaoneki. (...werengai zvakadzama)

 

Chidzidzo cheMwedzi Unowu
Gwararezhou, Gwara Rezhou (kureva path of the elephant; Milky Way Galaxy) kana Gwararenzou, ighalaksi rinosanganisa Mtandira we Mushana wedu, zita rayo paChivanhu rakatumidzwa kutodza nzira inofambwa ne nzou, nokuda kwe kuungana kwenyeredzi dzichipoterera. Gwararezhou rinooneka se gungano re chiedza mudenga rousiku rinoumbwa nokuda kwenyeredzi dzisingakwanise kuongororwa ne ziso risina kupfeka.

Neno rokuti Milky Way ichishandurudzwa che Chiratini via lactea, kubva kuChigiriki γαλακτικός κύκλος (galaktikos kýklos) kureva kuti "denderedzwa re umukaka". Kubva ku Rinopasi, Gwararezhou rinooneka senge bhendi nekuda kwe chiwumbiko charo cherudhiski pakuoonekwa kubva kumukati. Galileo Galilei akatanga kuresolva bhendi re chiedza munyeredzi dzimwe ne dzimwe ne ringakura muna 1610. Kusvika mukutanga kwe ma1920, vapanganyeredzi vaifunga kuti Gwararezhou ndiro raive ne nyeredzi dzose dziri mu Vuungazvose. Mukuteera Great Debate re 1920 pakati pe vapanganyeredzi Harlow Shapley na Heber Curtis, zvicherechedzo zva Edwin Hubble zvakarakidza Gwararezhou ighalaksi ribodzi pakati pe mamwe. (werengai zvakadzama...)


Mimwe Mwishumo ye Wikipidhiya
Bwaro re Wikimidhiya iduramazwi rakazvimirira pazasi peBwaro re Wikimidhiya, zvzvinoreva kuti inomaneja mamwe mwishumo (mapurojekti) akadorongodzwa zasiyo. Parizvino, mwishumo inowanikwa muChishona iWikipidhiya basi, tirikuzama kudzosa Wikiduramazwi rakavharwa muna 2007. Nwadhi riripo asi harisati ravenezvinyorwa mukati. Mamwe ariko anowanikwa mumimwe mitauro, senge Chingezi nezvimwe wo.
Zvinjee (Zvikomoni)
Unganidzo re mifananidzo ne maodhiyo eunjee.
Meta-wiki
Kurongwa kwe zviitwa zvose zve wikimidhiya.
Wikiduramazwi
Duramazwi.
Wikinwadhi
Manwadhi ne zvinyorwa zvekudzidza zvemahara.
Wikidzupuramanzwi
Unganidzo re madzupuramanzwi
Wikivambo (Wikisosi)
Kuvamagwaro re mahara.
Wikirudzi
Duramazwi re marudzi (maspishi).
Wikichikoro
Zvidzidzo ne zvokuita zvemahara.
Wikinhau
Nhau dze mahara.


Mimwe mitauro ye Afurika isiri pakati pe dzihombe:
Chiafurikanzi · Chiakani · Chiamhari · Chibhambara · Chichewa · Chitumbuka · Chiewe · Chifurufurudhe (Chifurani) · Chikũyũ · Chihausa · Chiigbho · Chixhosa · Chizulu · Chikanuri · Chinyarwanda · Chirundi · Chiswahiri · Chikongo · Chingala · Chiganda · Chimaragasi · Chioromo · Chisangho · Chisutu · Chitswana · Chiswati · Chisomari · Chitigirinya · Chivhenda · Chitwi · Chiworofu · Chitsonga · Chiyorubha ·
(Tarisai bhaa repadivi kuti muone mamwe mapeji eWikipedhiya)